Ruka 5:12 - Bhaibhiri Idzva rechiShona12 Akati ari mune rimwe guta hoyo mumwe murume akanga ana maperembudzi muviri wose akati achiona Jesu, akazviwisira pasi nouso ndokumukumbira achiti, “Tenzi, kana muchida henyu munogona kundinatsa muchindichenura nokundirapa.” Viz kapitolaBaiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)12 Wakati ari kunerimŋe guta, tarira, kwakaŋga kunomurume wakaŋga anamaperembudzi pamuʋiri wose; iye akati aciʋona Jesu, akaɀiwisira pasi neciso, ndokukumbira kwaari, aciti: Ishe, kana muciɗa, munogona kundinatsa. Viz kapitolaShona Bible 1949 revised 200212 Akati ari kune rimwe guta, tarira, kwakanga kune murume akanga anamaperembudzi muviri wose; iye akati achiona Jesu, akazviwisira pasi nechiso, ndokukumbira kwaari, achiti, “Ishe, kana muchida, munogona kundinatsa.” Viz kapitolaBhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika12 Akati ari mune rimwe guta hoyo mumwe murume akanga ana maperembudzi muviri wose akati achiona Jesu, akazviwisira pasi nouso ndokumukumbira achiti, “Tenzi, kana muchida henyu munogona kundinatsa muchindichenura nokundirapa.” Viz kapitolaBhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi12 Jesu paakanga achiri mune rimwe ramaguta, mumwe murume akanga azere namaperembudzi akauya. Akati achiona Jesu, akawira pasi nechiso chake akamukumbira zvikuru achiti, “Ishe, kana muchida, munogona kundinatsa.” Viz kapitola |