Ruka 3:14 - Bhaibhiri Idzva rechiShona14 Masoja akamubvunza achiti, “Ko isu, toiteiwo?” Iye akati kwavari, “Musatore zviro zvavanhu muchiita zvokupamba kana nokuvarevera nhema asi gutsikanai nemibayiro yenyu.” Viz kapitolaBaiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)14 Naʋarwi ʋo ʋakamubvunza, ʋaciti: Nesu ʋo toɗiniko? Akati kwaʋari: Musatorera munhu cinhu nesimba, kana kupomera munhu nhema; mutende nomuɓairo wenyu. Viz kapitolaShona Bible 1949 revised 200214 Navarwiwo vakamubvunza, vachiti, “Nesuo todiniko?” Akati kwavari, “Musatorera munhu chinhu nesimba, kana kupomera munhu nhema; mutende nomubayiro wenyu.” Viz kapitolaBhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika14 Masoja akamubvunza achiti, “Ko isu, toiteiwo?” Iye akati kwavari, “Musatore zviro zvavanhu muchiita zvokupamba kana nokuvarevera nhema asi gutsikanai nemibayiro yenyu.” Viz kapitolaBhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi14 Ipapo vamwe varwi vakamubvunza vakati, “Tinofanira kuita seiko?” Iye akati, “Musatorera vanhu mari nechisimba uye musapomera vanhu nhema, mugutsikane nomubayiro wenyu.” Viz kapitola |