Ruka 14:31 - Bhaibhiri Idzva rechiShona31 Kana kuti ndoupi mambo anenge ava kuda kuenda kundorwisana nomumwe mambo, asingatangi agara pasi achimbobvunza mazano kuti angagone here nezviuru gumi kundorwisana neane zviuru makumi maviri? Viz kapitolaBaiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)31 Kana ndoupiko mambo, kana acienda kundorwa nomumŋe mambo, usiŋgataŋgi kugara pasi, akaraŋgarira kana iye, unaʋanhu ʋaneɀuru ɀamazana ɀinegumi, aŋgagona kundosoŋgana nounoʋuya kuzorwa naye, anaʋanhu ʋaneɀuru ɀamazana ɀinamakumi maʋiri? Viz kapitolaShona Bible 1949 revised 200231 Kana ndoupiko mambo, kana achienda kundorwa nomumwe mambo, asingatangi kugara pasi, akarangarira kana iye, ana vanhu vane zviuru zvamazana zvine gumi, angagona kundosangana noanouya kuzorwa naye, ana vanhu vane zviuru zvamazana zvina makumi maviri? Viz kapitolaBhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika31 Kana kuti ndoupi mambo anenge ava kuda kuenda kundorwisana nomumwe mambo, asingatangi agara pasi achimbobvunza mazano kuti angagone here nezviuru gumi kundorwisana neane zviuru makumi maviri? Viz kapitolaBhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi31 “Kana kuti tomboti mambo ava kuda kuenda kuhondo kundorwa nomumwe mambo. Haatangi kugara pasi here kuti aone kana angagona kundorwa navanhu zviuru gumi, achipikisana nouyo ari kuuya kuzorwa naye ane vanhu zviuru makumi maviri? Viz kapitola |