Ruka 13:25 - Bhaibhiri Idzva rechiShona25 Muridzi wemba akangosimuka chete akazarira musuo muchatangisa kumira kunze muchigogodza muchiti, ‘Tenzi tizarurireiwo.’ Achakupindurai achiti, ‘Handikuzivei kwamunobva.’ Viz kapitolaBaiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)25 Paŋguʋa iyo kana mŋene weimba asimuka, azarira suʋo, imi mukataŋga kumira kunze, mukagogodza pasuʋo, muciti: Ishe! tizarurirei! Iye akapindura, aciti kwamuri: Handikuziʋiyi imi kwamakabva. Viz kapitolaShona Bible 1949 revised 200225 Panguva iyo kana muridzi weimba asimuka, azarira suo, imi mukatanga kumira kunze, mukagogodza pasuo, muchiti, ‘Ishe! Tizarurirei!’ Iye akapindura, achiti, kwamuri, ‘Handikuzivi kwamakabva.’ Viz kapitolaBhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika25 Muridzi wemba akangosimuka chete akazarira musuo muchatangisa kumira kunze muchigogodza muchiti, ‘Tenzi tizarurireiwo.’ Achakupindurai achiti, ‘Handikuzivei kwamunobva.’ Viz kapitolaBhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi25 Muridzi wemba akangodzimara asimuka akapfiga mukova, imi muchamira kunze muchigogodza uye muchiteterera, muchiti, ‘Ishe, tizarurireiwo mukova.’ “Asi achapindura achiti, ‘Handikuzivei, kana kwamunobva.’ Viz kapitola |