Numeri 6:17 - Bhaibhiri Idzva rechiShona17 Ngaapire hondohwe yechibayiro chomupiro wokuwadzana kuna Tenzi netswanda yezvingwa zvisina mbiriso. Mupristi ngaapire nomupiro wembesanwa nemupiro wawo wezvokunwa kuna Tenzi, Viz kapitolaBaiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)17 ndokuʋuya negondobge ciʋe ciɓayiro ceɀipiriso ɀokuyananisa kunaJehova, pamŋe cete neɗeŋgu reɀiŋgwa ɀisina‐kuʋiriswa; muprista unofanira kuʋuya ʋo necipiriso caco coʋupfu, necipiriso caco cinoɗururwa. Viz kapitolaShona Bible 1949 revised 200217 ndokuuya negondohwe chive chibayiro chezvipiriso zvokuyananisa kuna Jehovha, pamwechete nedengu rezvingwa zvisina kuviriswa; mupristi anofanira kuuyawo nechipiriso chacho choupfu, nechipiriso chacho chinodururwa. Viz kapitolaBhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika17 Ngaapire hondohwe yechibayiro chomupiro wokuwadzana kuna Tenzi netswanda yezvingwa zvisina mbiriso. Mupristi ngaapire nomupiro wembesanwa nemupiro wawo wezvokunwa kuna Tenzi, Viz kapitolaBhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi17 Anofanira kuuyisa dengu rechingwa chisina mbiriso uye agobayira gondobwe sechipiriso chokuwadzana kuna Jehovha, pamwe chete nechipiriso chezviyo nechipiriso chinonwiwa. Viz kapitola |