Nehemia 9:6 - Bhaibhiri Idzva rechiShona6 “Imi moga ndimi Tenzi. Ndimi makasika matenga nedenga rokumatengatenga negurusvusvu nezvinhu zvaro, nyika nezvose zviri mairi makungwa nezvose zviri maari Imi ndimi munozvichengeta, gurusvusvu romudenga rinokugwadamirai. Viz kapitolaBaiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)6 Ndimi Jehova, imi moga; imi makaita ɗeŋga, nokuɗeŋgaɗeŋga, nehondo dzaro dzose, nenyika neɀose ɀiri mukati mayo, namakuŋgwa neɀose ɀiri mukati mawo; imi munoceŋgeta ɀose; hondo dzokuɗeŋga dzinonamata kwamuri. Viz kapitolaShona Bible 1949 revised 20026 “Ndimi Jehovha, imi moga; imi makaita denga, nokudenga-denga, nehondo dzaro dzose, nenyika nezvose zviri mukati mayo, namakungwa nezvose zviri mukati mawo; imi munochengeta zvose; hondo dzokudenga dzinonamata kwamuri. Viz kapitolaBhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika6 “Imi moga ndimi Tenzi. Ndimi makasika matenga nedenga rokumatengatenga negurusvusvu nezvinhu zvaro, nyika nezvose zviri mairi makungwa nezvose zviri maari Imi ndimi munozvichengeta, gurusvusvu romudenga rinokugwadamirai. Viz kapitolaBhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi6 Imi moga ndimi Jehovha. Makaita moga matenga, kunyange nokudenga denga, uye nenyeredzi zhinji dzose, nyika nezvose zviri pamusoro payo, makungwa nezvose zviri maari. Munopa upenyu kuzvinhu zvose, uye zvose zviri kudenga zvinokunamatai. Viz kapitola |