Nehemia 9:29 - Bhaibhiri Idzva rechiShona29 Makayambira kuitira kuti vadzokere kumutemo wenyu; ivo ndopavakazvitutumadza zvavo vakarega kuteerera mirao yenyu vakatoita zvitadzo zvokukanganisa zvirevo zvenyu zvokuti anenge achizvichengeta anorarama; vakava tsvuuramuromo kutogwikura mapendekete kuramba. Vakaomesa musoro vachiramba kuteerera. Viz kapitolaBaiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)29 mukaʋapupurira, kuti muʋadzosere ɀe kumurau wenyu; kunyaŋge ɀakaɗaro ʋakaita manyawi, ʋakasaterera mirairo yenyu, asi ʋakatadzira ɀamakaŋga matoŋga, (iɀo ɀinoti kana munhu aciɀiita, ucararama naɀo,) ʋakabvisa fudzi raʋo, ʋakawomesa mitsipa yaʋo, ʋakaramba kunzwa. Viz kapitolaShona Bible 1949 revised 200229 mukavapupurira, kuti muvadzoserezve kumurau wenyu; kunyange zvakadaro vakaita manyawi; vakasateerera mirairo yenyu, asi vakatadzira zvamakanga matonga, (izvo zvinoti kana munhu achizviita, achararama nazvo), vakabvisa fudzi ravo, vakaomesa mitsipa yavo, vakaramba kunzwa. Viz kapitolaBhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika29 Makayambira kuitira kuti vadzokere kumutemo wenyu; ivo ndopavakazvitutumadza zvavo vakarega kuteerera mirao yenyu vakatoita zvitadzo zvokukanganisa zvirevo zvenyu zvokuti anenge achizvichengeta anorarama; vakava tsvuuramuromo kutogwikura mapendekete kuramba. Vakaomesa musoro vachiramba kuteerera. Viz kapitolaBhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi29 “Makavayambira kuti vadzokere kumurayiro wenyu, asi ivo vakazvikudza vakasateerera kurayira kwenyu. Vakatadza pane zvemirayiro, izvo zvinoraramisa munhu kana akazviteerera. Nokusindimara kwavo vakakufuratirai, vakaomesa mitsipa yavo uye vakaramba kuteerera. Viz kapitola |