Nehemia 8:6 - Bhaibhiri Idzva rechiShona6 Ezira akarumbidza Tenzi, Mwari mukuru. Vanhu vose vakapindura vachiti, “Ameni! Ngazvive saizvozvo,” vachisimudza mudenga maoko avo. Vakakotamisa misoro yavo vachipfugamira Tenzi, uso hwavo vakati pasi kota kota. Viz kapitolaBaiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)6 Ipapo Ezra akaʋoŋga Jehova, Mŋari mukuru. Ʋanhu ʋose ʋakapindura, ʋaciti: Ameni, Ameni, ʋacisimudza maʋoko aʋo; ipapo ʋakakotamisa misoro yaʋo, ʋakanamata kunaJehova ɀiso ɀaʋo ɀakatarira pasi. Viz kapitolaShona Bible 1949 revised 20026 Ipapo Ezira akavonga Jehovha, Mwari mukuru. Vanhu vose vakapindura, vachiti, “Ameni, Ameni,” vachisimudza maoko avo; ipapo vakakotamisa misoro yavo, vakanamata kuna Jehovha zviso zvavo zvakatarira pasi. Viz kapitolaBhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika6 Ezira akarumbidza Tenzi, Mwari mukuru. Vanhu vose vakapindura vachiti, “Ameni! Ngazvive saizvozvo,” vachisimudza mudenga maoko avo. Vakakotamisa misoro yavo vachipfugamira Tenzi, uso hwavo vakati pasi kota kota. Viz kapitolaBhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi6 Ezira akarumbidza Jehovha, Mwari mukuru; uye vanhu vose vakasimudza maoko avo vakapindura vachiti, “Ameni! Ameni!” Ipapo vakakotamira pasi vakanamata Jehovha zviso zvavo zvakatsikitsira pasi. Viz kapitola |