Nehemia 7:73 - Bhaibhiri Idzva rechiShona73 Naizvozvo vapristi navaRevhi navachengetedzi vapamisuo mikuru navaimbi navamwewo vanhu navashandi vapaTemberi neIsiraeri yose vakagara mumaguta okwavo. Pakazosvika mwedzi wechinomwe, vaIsiraeri vakanga vatova mumaguta avo. Viz kapitolaBaiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)73 Ɀino ʋaprista, naʋaRevi, naʋarindi ʋemikoʋa, naʋaimbi, naʋamŋe ʋanhu, naʋaNetinimi, naʋaIsraeri ʋose ʋakagara pamaguta aʋo. Mŋedzi wecinomŋe wakati uciȿika, ʋana ʋaIsraeri ʋakaŋga ʋagere pamaguta aʋo. Viz kapitolaShona Bible 1949 revised 200273 Zvino vapristi, navaRevhi, navarindi vemikova, navaimbi, navamwe vanhu, navaNetinimi, navaIsiraeri vose vakagara pamaguta avo. Mwedzi wechinomwe wakati uchisvika, vana vaIsiraeri vakanga vagere pamaguta avo. Viz kapitolaBhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika73 Naizvozvo vapristi navaRevhi navachengetedzi vapamisuo mikuru navaimbi navamwewo vanhu navashandi vapaTemberi neIsiraeri yose vakagara mumaguta okwavo. Pakazosvika mwedzi wechinomwe, vaIsiraeri vakanga vatova mumaguta avo. Viz kapitolaBhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi73 Vaprista, vaRevhi, varindi vemikova, vaimbi navabati vomutemberi, pamwe chete navamwe pakati poruzhinji rwavaIsraeri, vakandogara mumaguta avo. Viz kapitola |