Nehemia 5:5 - Bhaibhiri Idzva rechiShona5 Isu tiri vanhu veropa rimwechete nehama dzedu idzodzo. Vana vedu vanongovawo vana vavo. Asi tava kutomanikidzira vana vedu vakomana navasikana kutopinda muuranda. Vamwe vanasikana vedu vakatopinda muuranda. Asi isu chokuti tiite hapana nokuti minda yedu nemindawo yedu yemigirepisi yatova zvayo yevamwe.” Viz kapitolaBaiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)5 Kunyaŋge ɀakaɗaro ɀino miʋiri yeɗu yakafanana nemiʋiri yehama dzeɗu, naʋana ʋeɗu ʋakafanana naʋana ʋaʋo; tarirai, tosuŋga ʋanakomana ʋeɗu naʋakunda ʋeɗu, ʋaʋe ʋaranda; ʋamŋe ʋakunda ʋeɗu ʋatosuŋgwa, isu hatinesimba rokuɀidziʋisa, nokuti minda yeɗu neminda yeɗu yemizambiriŋga yatoʋa yaʋamŋe. Viz kapitolaShona Bible 1949 revised 20025 “Kunyange zvakadaro zvino miviri yedu yakafanana nemiviri yehama dzedu, navana vedu vakafanana navana vavo; tarirai, tosunga vanakomana vedu navakunda vedu, vave varanda; vamwe vakunda vedu vatosungwa, isu hatine simba rokuzvidzivisa, nokuti minda yedu neminda yedu yemidzambiringa yatova yavamwe.” Viz kapitolaBhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika5 Isu tiri vanhu veropa rimwechete nehama dzedu idzodzo. Vana vedu vanongovawo vana vavo. Asi tava kutomanikidzira vana vedu vakomana navasikana kutopinda muuranda. Vamwe vanasikana vedu vakatopinda muuranda. Asi isu chokuti tiite hapana nokuti minda yedu nemindawo yedu yemigirepisi yatova zvayo yevamwe.” Viz kapitolaBhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi5 Kunyange tiri venyama imwe uye tiri veropa rimwe savanhu venyika yedu, uye kunyange vanakomana vedu vakangofanana nevavo, takaguma taisa vanakomana vedu navanasikana vedu kuutapwa. Vamwe vavanasikana vedu vakatotapwa kare, asi isu hatina simba, nokuti minda yedu neminda yemizambiringa yava yavamwe.” Viz kapitola |