Nehemia 3:1 - Bhaibhiri Idzva rechiShona1 Eriyashibhi mupristi mukuru akasimuka nehama dzake dzechipristi vakandovakazve suo guru reHwai. Vakariteketerera kuna Mwari vakariisa magoni. Chimbimbi chavakateketerera ichi chaibvira pariri chichisvika kunharirire yeZana chichindosvikawo kuNharirire yeHananero. Viz kapitolaBaiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)1 Ipapo Eriashibi muprista mukuru wakasimuka, nehama dzake ʋaprista, ʋakaʋaka suʋo ramakwai; ʋakarinatsa, nokutimika magonhi aro; ʋakarinatsa kuȿikira pashoŋgwe yeHamea nokushoŋgwe yeHananeri. Viz kapitolaShona Bible 1949 revised 20021 Ipapo Eriashibhi mupristi mukuru akasimuka, nehama dzake vapristi, vakavaka suo ramakwai; vakarinatsa, nokutimika magonhi aro; vakarinatsa kusvikira pashongwe yeHamea nokushongwe yeHananeri. Viz kapitolaBhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika1 Eriyashibhi mupristi mukuru akasimuka nehama dzake dzechipristi vakandovakazve suo guru reHwai. Vakariteketerera kuna Mwari vakariisa magoni. Chimbimbi chavakateketerera ichi chaibvira pariri chichisvika kunharirire yeZana chichindosvikawo kuNharirire yeHananero. Viz kapitolaBhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi1 Zvino Eriashibhi muprista mukuru navamwe vaprista vakaenda kundoshanda uye vakavakazve Suo raMakwai. Vakarikumikidza vakaisa makonhi panzvimbo yawo, vakarivaka kunosvika paShongwe yeZana, iyo yavakakumikidza, kusvikira paShongwe yaHananeri. Viz kapitola |