Nahumi 3:3 - Bhaibhiri Idzva rechiShona3 Ivo varwi vamabhiza vachiuya kuzorwisa, vachivhevhetedza bakatwa nepfumo rinopenya. Vafi hero zararira, mirwi nemirwi yezvitunha, zvitunha zvisingaverengeki vachitogumburwa nezvitunha! Viz kapitolaBaiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)3 nowaʋataȿi ʋanomhanyisa, nomunondo unopenya, nepfumo rinoʋaima, naʋazhinji ʋakaʋurawa, nomurwi mukuru weɀitunha; ɀitunha haɀiperi, ʋanogumburwa neɀitunha ɀaʋo; Viz kapitolaShona Bible 1949 revised 20023 nowavatasvi vanomhanyisa, nomunondo unopenya, nepfumo rinovaima, navazhinji vakaurawa, nomurwi mukuru wezvitunha; zvitunha hazviperi, vanogumburwa nezvitunha zvavo; Viz kapitolaBhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika3 Ivo varwi vamabhiza vachiuya kuzorwisa, vachivhevhetedza bakatwa nepfumo rinopenya. Vafi hero zararira, mirwi nemirwi yezvitunha, zvitunha zvisingaverengeki vachitogumburwa nezvitunha! Viz kapitolaBhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi3 Kumhanya kwavatasvi vamabhiza, kupenya kweminondo namapfumo anovaima! Vazhinji vakaurayiwa, mirwi yevakafa, mitumbi isingaverengeki, vanhu vachigumburwa nezvitunha. Viz kapitola |