Mupiro 22:13 - Bhaibhiri Idzva rechiShona13 Asi kana mwanasikana womupristi asina vana ari chirikadzi kana kuti akarambwa nomurume akadzokera kundogara kumusha kwake kuna baba wake, sapausikana hwake angadye zvake chokudya chinodyiwa nababa wake. Asi hakuna munhu, wokunze anobvumirwa kudya izvozvo. Viz kapitolaBaiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)13 Asi kana mŋanasikana womuprista iri cirikadzi, kana warambga nomurume, asinaʋana, akadzokera kumba kwaɓaɓa ʋake, sapaʋusikana bgake, iye uŋgadya ɀokudya ɀaɓaɓa ʋake; asi mŋeni ŋgaarege kuɀidya. Viz kapitolaShona Bible 1949 revised 200213 Asi kana mwanasikana womupristi iri chirikadzi, kana warambwa nomurume, asina vana, akadzokera kumba kwababa vake, sapausikana hwake, iye ungadya zvokudya zvababa vake; asi mweni ngaarege kuzvidya. Viz kapitolaBhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika13 Asi kana mwanasikana womupristi asina vana ari chirikadzi kana kuti akarambwa nomurume akadzokera kundogara kumusha kwake kuna baba wake, sapausikana hwake angadye zvake chokudya chinodyiwa nababa wake. Asi hakuna munhu, wokunze anobvumirwa kudya izvozvo. Viz kapitolaBhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi13 Asi kana mwanasikana womuprista akava chirikadzi kana kuti akarambwa, iye asina vana, akadzoka kuzogara mumba mababa vake sapaudiki hwake, anogona kudya chokudya chababa vake. Asi munhu asina kukodzera haangadyi kudya uku. Viz kapitola |