Mupiro 19:20 - Bhaibhiri Idzva rechiShona20 “Kana murume akaita chakaipa nomuranda wechikadzi iye achangobva mukuroorwa nomumwe murume, asi asati abvisirwa mari yokumutenga kana kumusunungura muuranda, ngavapiwe chirango, asi ngaarege kuurayiwa nokuti mukadzi iyeyo anga achiri muranda. Viz kapitolaBaiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)20 Aninani unoʋata nomukadzi ari murandakadzi, wakanyeŋgwa nomurume, asina‐kudzikinurwa kwaɀo, kana kusunuŋgurwa, ʋanofanira kurobga; asi haʋafaniri kuʋurawa, nokuti wakaŋga asina‐kusunuŋgurwa. Viz kapitolaShona Bible 1949 revised 200220 Ani naani unovata nomukadzi ari murandakadzi, wakanyengwa nomurume, asina kudzikinurwa kwazvo, kana kusunungurwa, vanofanira kurohwa; asi havafaniri kuurawa, nokuti wakanga asina kusunungurwa. Viz kapitolaBhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika20 “Kana murume akaita chakaipa nomuranda wechikadzi iye achangobva mukuroorwa nomumwe murume, asi asati abvisirwa mari yokumutenga kana kumusunungura muuranda, ngavapiwe chirango, asi ngaarege kuurayiwa nokuti mukadzi iyeyo anga achiri muranda. Viz kapitolaBhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi20 “ ‘Kana murume akavata nomukadzi ari murandakadzi akavimbiswa kuno mumwe murume, asi mukadzi asina kudzikinurwa kana kupiwa rusununguko rwake, panofanira kuva nokurangwa kwakakodzera. Asi haafaniri kuurayiwa nokuti mukadzi uyu anga asati asunungurwa. Viz kapitola |