Mupiro 11:32 - Bhaibhiri Idzva rechiShona32 Kana chitunha chazvo chikaputsikira pane chinhu chipi nechipi zvacho, chinhu ichocho chaton'ora chingave chakaitwa mudziyo upi noupi wokuitisa basa. Ngachinyikwe mumvura, chichava chakan'ora kudzamara manheru chazova chachenurwa. Viz kapitolaBaiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)32 Cinhu cipi necipi cinowirwa necimŋe caɀo kana cakafa, cicaʋa cisina‐kunaka; kana iri nhumbi yamatanda, kana ŋguʋo, kana ɗebge, kana homboɗo, kana iri nhumbi ipi neipi inoɓatwa ɓasa nayo, inofanira kunyikwa mumvura, iʋe isina‐kunaka kuȿikira maɗeko; ipapo icaʋa yakanaka. Viz kapitolaShona Bible 1949 revised 200232 Chinhu chipi nechipi chinowirwa nechimwe chazvo kana chakafa, chichava chisina kunaka; kana iri nhumbi yamatanda, kana nguo, kana dehwe, kana hombodo, kana iri nhumbi ipi neipi inobatwa basa nayo, inofanira kunyikwa mumvura, ive isina kunaka kusvikira madeko; ipapo ichava yakanaka. Viz kapitolaBhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika32 Kana chitunha chazvo chikaputsikira pane chinhu chipi nechipi zvacho, chinhu ichocho chaton'ora chingave chakaitwa mudziyo upi noupi wokuitisa basa. Ngachinyikwe mumvura, chichava chakan'ora kudzamara manheru chazova chachenurwa. Viz kapitolaBhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi32 Kana chimwe chazvo chikafa, chikawira pamusoro pechimwe chinhu, chinhu ichocho hazvinei kuti chinoshandiswei, chinova chisina kuchena kunyange chakagadzirwa nomuti, mucheka, dehwe, kana saga. Chiisei mumvura; chichava chisina kuchena kusvikira manheru, uye ipapo chichava chakachena. Viz kapitola |