Mika 7:3 - Bhaibhiri Idzva rechiShona3 Uipi ndohwavana maoko nahwo, ishasha chaidzo pakuhuita, gurukota nomutongi vose vanoda pfumbamuromo, mukuru mukuru chaiye anototaura zvake zvakaipa zviri mumwoyo make vobva vatoiruka nyaya yacho pamwechete. Viz kapitolaBaiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)3 Maʋoko aʋo anoŋgotȿaka ɀakaipa kuti ʋaɀiite nomŋoyo wose; macinda anokumbira, ʋatoŋgi ʋanoʋiŋga muɓairo; mukuru unotaura ɀakashata ɀiri mumŋoyo make; ʋanoɀiruka pamŋe cere saiɀoɀo. Viz kapitolaShona Bible 1949 revised 20023 Maoko avo anongotsvaka zvakaipa kuti vazviite nomwoyo wose; machinda anokumbira, vatongi vanovinga mubayiro; mukuru anotaura zvakashata zviri mumwoyo make; vanozviruka pamwe chere saizvozvo. Viz kapitolaBhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika3 Uipi ndohwavana maoko nahwo, ishasha chaidzo pakuhuita, gurukota nomutongi vose vanoda pfumbamuromo, mukuru mukuru chaiye anototaura zvake zvakaipa zviri mumwoyo make vobva vatoiruka nyaya yacho pamwechete. Viz kapitolaBhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi3 Maoko ose ari maviri ane unyanzvi pakuita zvakaipa; mubati anomanikidzira vanhu kuti vamupe zvipo, mutongi anotambira fufuro, vane simba vanomanikidzira zvido zvavo; vose vanozvironga pamwe chete. Viz kapitola |