Mateo 8:28 - Bhaibhiri Idzva rechiShona28 Paakasvika kumhiri kuya, kunyika yavaGadhara. Akasangana navarume vaviri vaiva nemweya yakaipa vachibva mumakuva. Vaityisa zvikuru zvokuti hapana munhu aikwanisa kupfuura nenzira iyoyo. Viz kapitolaBaiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)28 Wakati aȿika mhiri kunyika yaʋaGadara, ʋanhu ʋaʋiri ʋaiʋa nemŋeya yakaipa ʋakasoŋgana naye, ʋacibva kumarinda; ʋakaŋga ʋanehasha kwaɀo‐kwaɀo, naiɀoɀo kwakaŋga kusinomunhu waigona kupfuʋura nenzira iyo. Viz kapitolaShona Bible 1949 revised 200228 Akati asvika mhiri kunyika yavaGadhara, vanhu vaviri vaiva nemweya yakaipa vakasangana naye, vachibva kumakuva; vakanga vane hasha kwazvo kwazvo, naizvozvo kwakanga kusina munhu aigona kupfuura nenzira iyoyo, Viz kapitolaBhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika28 Paakasvika kumhiri kuya, kunyika yavaGadhara. Akasangana navarume vaviri vaiva nemweya yakaipa vachibva mumakuva. Vaityisa zvikuru zvokuti hapana munhu aikwanisa kupfuura nenzira iyoyo. Viz kapitolaBhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi28 Akati asvika mhiri kunyika yavaGadhara, akasangana navarume vaviri vakanga vakabatwa namadhimoni. Varume ava vaiva nehasha zvokuti hapana munhu aigona kupfuura naikoko. Viz kapitola |