Mateo 17:20 - Bhaibhiri Idzva rechiShona20 Iye akati kwavari, “Pamusana perudaviro rwenyu rwudiki nokuti zvirokwazvo ndinoti kwamuri dai muine chitendero chakaita setsanga yemastadhi, maigona kuti kugomo iri ibva apo uende apo richibva rabva. Hapana chamainge musingakwanisi.” Viz kapitolaBaiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)20 Akati kwaʋari: Nemhaka yokutenda kwenyu kuɗuku, nokuti ɀirokwaɀo ndinoti kwamuri: Kana munokutenda kwakaita setsaŋga yemastarda, muŋgati kugomo iri: Ibva pano, enda koko! riŋgaenda; hakunecinhu ciŋgakukundai. Viz kapitolaShona Bible 1949 revised 200220 Akati kwavari, “Nemhaka yokutenda kwenyu kuduku, nokuti zvirokwazvo ndinoti kwamuri, kana muno kutenda kwakaita setsanga yemasitadhi, mungati kugomo iri, ‘Ibva pano, enda koko!’ Ringaenda hakuna chinhu chingakukundai.” [ Viz kapitolaBhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika20 Iye akati kwavari, “Pamusana perudaviro rwenyu rwudiki nokuti zvirokwazvo ndinoti kwamuri dai muine chitendero chakaita setsanga yemastadhi, maigona kuti kugomo iri ibva apo uende apo richibva rabva. Hapana chamainge musingakwanisi.” Viz kapitolaBhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi20 Akavapindura achiti, “Nokuda kwokuti mune kutenda kudiki. Ndinokuudzai chokwadi kuti dai maiva nokutenda kudiki hako semhodzi yemasitadhi maigona kuti kugomo iri, ‘Ibva apa uende uko,’ zvichiitika. Hapana chamunozokundikana kuita. Viz kapitola |