Mariko 15:43 - Bhaibhiri Idzva rechiShona43 kwakauya Josefi weArimatia, aiva mumwe wamakurukota airemekedzwa. Iyewo pachake aimirira umambo hwaMwari. Akatsunga mwoyo ndokuenda kuna Pirato, akamukumbira chitunha chaJesu. Viz kapitolaBaiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)43 Josefa weArimatea, mumŋe wamakurukota, munhu wakakudzwa — iye amene wakaŋga acigarira ʋo ʋushe bgaMŋari — wakaʋuya akapinda nokutsuŋga kunaPirato, akakumbira mutumbu waJesu. Viz kapitolaShona Bible 1949 revised 200243 Josefa weArimatia, mumwe wamakurukota, munhu akakudzwa iye amene akanga achigarirawo ushe hwaMwari akauya akapinda nokutsunga kuna Pirato, akakumbira chitunha chaJesu. Viz kapitolaBhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika43 kwakauya Josefi weArimatia, aiva mumwe wamakurukota airemekedzwa. Iyewo pachake aimirira umambo hwaMwari. Akatsunga mwoyo ndokuenda kuna Pirato, akamukumbira chitunha chaJesu. Viz kapitolaBhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi43 Josefa weArimatea, nhengo yeDare Guru yaiva nomukurumbira, uyo akanga akamirirawo umambo hwaMwari, akatsunga kuenda kuna Pirato kundokumbira mutumbi waJesu. Viz kapitola |