Mariko 14:12 - Bhaibhiri Idzva rechiShona12 Pazuva rokutanga reChingwa Chisina Mbiriso, musi wavaibaya hwayana yePasika, vadzidzi vake vakati kwaari, “Ndokupi kwamunoda kuti tiende kundokugadzirirai kuti mudyire Pasika?” Viz kapitolaBaiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)12 Nezuʋa rokutaŋga reɀiŋgwa ɀisinembiriso, musi waʋaiɓayira paseka nawo, ʋadzidzi ʋakati kwaari: Munoɗa kuti tikugadzirirepiko pamuŋgadya paseka? Viz kapitolaShona Bible 1949 revised 200212 Nezuva rokutanga rezvingwa zvisina mbiriso, musi wavaibayira Pasika nawo, vadzidzi vakati kwaari, “Munoda kuti tikugadzirirepiko pamungadya Pasika?” Viz kapitolaBhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika12 Pazuva rokutanga reChingwa Chisina Mbiriso, musi wavaibaya hwayana yePasika, vadzidzi vake vakati kwaari, “Ndokupi kwamunoda kuti tiende kundokugadzirirai kuti mudyire Pasika?” Viz kapitolaBhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi12 Pazuva rokutanga roMutambo weChingwa Chisina Mbiriso, zvayakanga iri tsika yavo yokubayira gwayana rePasika, vadzidzi vaJesu vakamubvunza vakati, “Munoda kuti tiende kupi kwatingandokugadzirirai Pasika kuti mudye?” Viz kapitola |