Mariko 11:13 - Bhaibhiri Idzva rechiShona13 Ari chinhambwe akaona muonde una mashizha akaenda ikoko kuti zvimwe angawane chinhu pauri. Akasvika pauri asi hapana chaakawana kunze kwamashizha chete, nokuti yakanga isiri nguva yamaonde. Viz kapitolaBaiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)13 ɀino wakati aciʋona muʋonde uri kure. unamashizha, akaenda’ko, aciti, ɀimŋe uŋgawana cinhu pauri; ɀino aciȿika pauri, haana‐kuwana cinhu, asi mashizha ɓedzi; nokuti yakaŋga isi ŋguʋa yamaʋonde. Viz kapitolaShona Bible 1949 revised 200213 zvino akati achiona muonde uri kure unamashizha, akaendako, achiti, zvimwe angawana chinhu pauri; zvino achisvika pauri, haana kuwana chinhu, asi mashizha bedzi; nokuti yakanga isi nguva yamaonde. Viz kapitolaBhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika13 Ari chinhambwe akaona muonde una mashizha akaenda ikoko kuti zvimwe angawane chinhu pauri. Akasvika pauri asi hapana chaakawana kunze kwamashizha chete, nokuti yakanga isiri nguva yamaonde. Viz kapitolaBhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi13 Akaona muonde uri kure una mashizha, akaenda kundoona kana wakanga une muchero. Akati asvika pauri, haana chaakawana asi mashizha bedzi, nokuti yakanga isiri nguva yamaonde. Viz kapitola |