Maraki 2:11 - Bhaibhiri Idzva rechiShona11 VokwaJudha havana kutendeka, muIsiraeri nomuJerusaremu makaitwa zvinhu zvisingadiwi naMwari. Chikonzero ndechokuti vokwaJudha vakan'oresa Nzvimbo Inoera yaTenzi yapamwoyo, vachitoroora zvavo vanasikana vokuvamwari vasiri ivo. Viz kapitolaBaiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)11 Juda ʋakanyeŋgera, cinhu cinonyaŋgadza cakaitwa pakati paIsraeri napaJerusarema; nokuti Juda ʋakamhura nɀimbo tȿene yaJehova, inoɗikanwa naye, ʋakawana mukunda wamŋari waʋatorwa. Viz kapitolaShona Bible 1949 revised 200211 Judha vakanyengera, chinhu chinonyangadza chaitwa pakati paIsiraeri napaJerusaremu; nokuti Judha vakamhura nzvimbo tsvene yaJehovha, inodikanwa naye, vakawana mukunda wamwari wavatorwa. Viz kapitolaBhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika11 VokwaJudha havana kutendeka, muIsiraeri nomuJerusaremu makaitwa zvinhu zvisingadiwi naMwari. Chikonzero ndechokuti vokwaJudha vakan'oresa Nzvimbo Inoera yaTenzi yapamwoyo, vachitoroora zvavo vanasikana vokuvamwari vasiri ivo. Viz kapitolaBhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi11 Judha aputsa chitenderano. Chinhu chinonyangadza chaitwa muIsraeri nomuJerusarema: Judha asvibisa nzvimbo tsvene yaJehovha, nokuwana mwanasikana wamwari wavatorwa. Viz kapitola |