Joshua 8:20 - Bhaibhiri Idzva rechiShona20 Zvino varume vokuAi vakati cheu, vakaona guta changova chamupwititi utsi, huchingotogoka mudenga. Zvakavapedza simba rokuti vatizire uku, kana uku nokuti vaya vokutizira kurenje vakadzoka kuzorwisa vaivadzingirira vacho. Viz kapitolaBaiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)20 Ɀino ʋarume ʋeAi ʋakati ʋaciceuka, ʋonei ʋutsi bgeguta bgucikwira kuɗeŋga, ʋakashaiwa kwaʋaŋgatizira kupi nokupi; naʋanhu ʋakaŋga ʋatizira kurenje ʋakadzoka kuzorwa naʋaiʋateʋera. Viz kapitolaShona Bible 1949 revised 200220 Zvino varume veAi vakati vachicheuka, onei utsi hweguta huchikwira kudenga, vakashaiwa kwavangatizira kupi nokupi; navanhu vakanga vatizira kurenje vakadzoka kuzorwa navaivatevera. Viz kapitolaBhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika20 Zvino varume vokuAi vakati cheu, vakaona guta changova chamupwititi utsi, huchingotogoka mudenga. Zvakavapedza simba rokuti vatizire uku, kana uku nokuti vaya vokutizira kurenje vakadzoka kuzorwisa vaivadzingirira vacho. Viz kapitolaBhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi20 Varume veAi vakacheuka vakaona utsi hweguta huchikwira kudenga, asi vakashayiwa pokupukunyuka napo kumativi ose, nokuti vaIsraeri vakanga vachitizira kugwenga vakatendeukira vaivatevera. Viz kapitola |