Joshua 7:5 - Bhaibhiri Idzva rechiShona5 Varume vokuAi vakauraya ainge makumi matatu avanhu ane vanhu vatanhatu. Vakadzingirirana kubvira pasuo guru reguta ravo kusvikira kuShebhurimu vachivauraya mumateru imomo. VaIsiraeri vakadedera, mwoyo yavo ikazanga nokutya. Viz kapitolaBaiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)5 Ʋarume ʋeAi ʋakaʋuraya ʋarume ʋaneŋge makumi matatu naʋatanhatu ʋaʋo, ʋakaʋateʋerera kubva pamberi pesuʋo kuȿikira Shebarimi, ʋaciʋaʋuraya pakuɓuruka kwaʋo; ipapo mŋoyo yaʋanhu yakanyauka, ikaita semvura. Viz kapitolaShona Bible 1949 revised 20025 Varume veAi vakauraya varume vanenge makumi matatu navatanhatu vavo, vakavateverera kubva pamberi pesuo kusvikira Shebharimi, vachivauraya pakuburuka kwavo; ipapo mwoyo yavanhu yakanyauka, ikaita semvura. Viz kapitolaBhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika5 Varume vokuAi vakauraya ainge makumi matatu avanhu ane vanhu vatanhatu. Vakadzingirirana kubvira pasuo guru reguta ravo kusvikira kuShebhurimu vachivauraya mumateru imomo. VaIsiraeri vakadedera, mwoyo yavo ikazanga nokutya. Viz kapitolaBhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi5 avo vakauraya vaIsraeri makumi matatu navatanhatu vavo. Vakavadzinganisa kubva pasuo reguta kusvikira kuShebharimu vakavaurayira pamawere, ipapo mwoyo yavanhu yakanyongodeka ikaita semvura. Viz kapitola |