Joshua 23:4 - Bhaibhiri Idzva rechiShona4 Chionai ndakakugoverai senhaka yamadzinza enyu, nyika dzose dzendudzi dzavanhu dzisati dzakurirwa pamwechete nedzandakakurira kubvira kuna Jorodhani kusvikira kuGungwa guru kumadokero. Viz kapitolaBaiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)4 Tarirai, ndakakupai ndudzi idzi dzasara, iʋe nhaka yamarudzi enyu, kubva paJoridani, pamŋe cete nendudzi dzose dzandakaparadza, kuȿikira kuguŋgwa guru kumaʋirazuʋa. Viz kapitolaShona Bible 1949 revised 20024 Tarirai, ndakakupai ndudzi idzi dzasara, ive nhaka yamarudzi enyu, kubva paJorodhani, pamwechete nendudzi dzose dzandakaparadza, kusvikira kugungwa guru kumavirazuva. Viz kapitolaBhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika4 Chionai ndakakugoverai senhaka yamadzinza enyu, nyika dzose dzendudzi dzavanhu dzisati dzakurirwa pamwechete nedzandakakurira kubvira kuna Jorodhani kusvikira kuGungwa guru kumadokero. Viz kapitolaBhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi4 Rangarirai kuti ndakakugoverai kuti ive nhaka yamarudzi enyu, nyika yose yendudzi dzakasara, ndudzi dzandakakunda pakati peJorodhani neGungwa Guru kumavirazuva. Viz kapitola |