Joshua 11:8 - Bhaibhiri Idzva rechiShona8 Tenzi akavaisa mumaoko avaIsiraeri. VaIsiraeri vakavauraya vakadzingirirana navo kudzamara vatopinda muguta reSidhoni nomuguta reMisirefotimaimu nokusvikira kubani reMizipa kumabvazuva. Vakavauraya zvokuti hapana kusara kana munhu mumwechete zvake. Viz kapitolaBaiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)8 Jehova akaʋaisa mumaʋoko aʋaIsraeri, ʋakaʋaparadza nokuʋadziŋga kuȿikira paguta guru Zidoni, nokuȿikira Misrefoti‐maimi, nokuȿikira kumupata weMizpe kumabvazuʋa; ʋakaʋaʋuraya kuȿikira ʋasina‐kusiya kunyaŋge nomumŋe cete. Viz kapitolaShona Bible 1949 revised 20028 Jehovha akavaisa mumaoko avaIsiraeri, vakavaparadza nokuvadzinga kusvikira paguta guru Zidhoni, nokusvikira Misirefoti‐maimi, nokusvikira kumupata weMizipe kumabvazuva; vakavauraya kusvikira vasina kusiya kunyange nomumwe chete. Viz kapitolaBhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika8 Tenzi akavaisa mumaoko avaIsiraeri. VaIsiraeri vakavauraya vakadzingirirana navo kudzamara vatopinda muguta reSidhoni nomuguta reMisirefotimaimu nokusvikira kubani reMizipa kumabvazuva. Vakavauraya zvokuti hapana kusara kana munhu mumwechete zvake. Viz kapitolaBhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi8 uye Jehovha akavaisa mumaoko avaIsraeri. Vakavakunda vakavadzinganisa kusvikira kuGuta reSidhoni, nokuMisirefoti Maimi, nokuMupata weMizipa kumabvazuva, kusvikira pasisina mupenyu akasara. Viz kapitola |