Jona 4:2 - Bhaibhiri Idzva rechiShona2 akabva anamata kuna TENZI achiti: “Nhai imi TENZI, ko izvi hazvisirizvo here zvandakamboreva ndichiri kunyika yokwangu? Ndokusaka ndakakurumidza kutizira kuTashishi nokuti ndaizviziva kuti imi muri Mwari wengoni ane tsitsi uye asingakurumidzi kushatirwa azere nomwoyochena anozvidzora kune zvakaipa. Viz kapitolaBaiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)2 Akanyeŋgetera Jehova, akati: Haiwa, Jehova, ha ndiɀo ɀandakataura, ndiciri munyika yaŋgu here? Saka ndakacimbidzika kutizira Tarshishi; nokuti ndakaŋga ndiciziʋa kuti muri Mŋari unenyasha, uneŋgoni, usiŋgacimbidziki kutsamŋa, uzere noʋunyoro, muciɀiɗemba pamakafuŋga kuʋuyisa ɀakaipa. Viz kapitolaShona Bible 1949 revised 20022 Akanyengetera Jehovha, akati, “Aiwa, Jehovha, handizvo zvandakataura, ndichiri munyika yangu here? Saka ndakachimbidzika kutizira Tashishi; nokuti ndakanga ndichiziva kuti muri Mwari ane nyasha, ane ngoni, asingachimbidziki kutsamwa, azere nounyoro, muchizvidemba pamakafunga kuuyisa zvakaipa. Viz kapitolaBhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika2 akabva anamata kuna TENZI achiti: “Nhai imi TENZI, ko izvi hazvisirizvo here zvandakamboreva ndichiri kunyika yokwangu? Ndokusaka ndakakurumidza kutizira kuTashishi nokuti ndaizviziva kuti imi muri Mwari wengoni ane tsitsi uye asingakurumidzi kushatirwa azere nomwoyochena anozvidzora kune zvakaipa. Viz kapitolaBhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi2 Akanyengetera kuna Jehovha akati, “Imi Jehovha, izvi hazvisizvo here zvandakataura ndiri kunyika yangu? Ndokusaka ndakakurumidza kutiza ndichienda kuTashishi? Ndaiziva kuti muri Mwari ane tsitsi nenyasha, anononoka kutsamwa uye azere norudo, Mwari anozvidzora pakutumira zvakaipa. Viz kapitola |