Jona 1:5 - Bhaibhiri Idzva rechiShona5 Ipapo vafambisi vengarava vakabatwa nokutya, mumwe nomumwe ndokubva anamata kuna mwari wake. Vakakanda mugungwa zvinhu zvavaiva nazvo mungarava macho kuitira kuti ivarerukire. Izvozvo Jona akanga adzika pasi mukatikati chaimo mengarava atorara zvake achitopfodora hope. Viz kapitolaBaiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)5 Ipapo ʋafambisi ʋecikepe ʋakatya, mumŋe nomumŋe akaɗana kunamŋari wake, ʋakarashira muguŋgwa nhumbi dzakaŋga dziri mucikepe, kuti ʋacireruse. Asi Jona wakaŋga aɓurukira mukati‐kati mecikepe, akaʋata pasi, ndokuɓatwa nehope caidzo. Viz kapitolaShona Bible 1949 revised 20025 Ipapo vafambisi vechikepe vakatya, mumwe nomumwe akadana kuna Mwari wake, vakarashira mugungwa nhumbi dzakanga dziri muchikepe, kuti vachireruse. Asi Jona akanga aburukira mukatikati mechikepe, akavata pasi, nokubatwa nehope chaidzo. Viz kapitolaBhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika5 Ipapo vafambisi vengarava vakabatwa nokutya, mumwe nomumwe ndokubva anamata kuna mwari wake. Vakakanda mugungwa zvinhu zvavaiva nazvo mungarava macho kuitira kuti ivarerukire. Izvozvo Jona akanga adzika pasi mukatikati chaimo mengarava atorara zvake achitopfodora hope. Viz kapitolaBhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi5 Vafambisi vose vechikepe vakatya uye mumwe nomumwe akachema kuna mwari wake. Vakakanda nhumbi mugungwa kuti chikepe chireruke. Asi Jona akanga aenda pasi mukati mechikepe maakasvikovata uye akakotsira hope huru. Viz kapitola |