Johane 7:35 - Bhaibhiri Idzva rechiShona35 VaJudha vakataurirana vachiti, “Ko munhu uyu ari kuda kuenda kupiko, kwatisingakwanisi kumuwana? Arikuda kuenda kuvaJudha vakapararira kuvaGiriki achindodzidzisa vaGiriki here? Viz kapitolaBaiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)35 Ɀino ʋaJuda ʋakataurirana, ʋaciti: Uyu unoɗa kuendepiko, kwatisiŋgazomuwani? Ko unoɗa kuenda kunaʋakapararira pakati paʋaGiriki, kuti andodzidzisa ʋaGiriki here? Viz kapitolaShona Bible 1949 revised 200235 Zvino vaJudha vakataurirana, vachiti, “Uyo anoda kuendepiko, kwatisingazomuwani? Ko anoda kuenda kuna vakapararira pakati pavaGiriki, kuti anodzidzisa vaGiriki here? Viz kapitolaBhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika35 VaJudha vakataurirana vachiti, “Ko munhu uyu ari kuda kuenda kupiko, kwatisingakwanisi kumuwana? Arikuda kuenda kuvaJudha vakapararira kuvaGiriki achindodzidzisa vaGiriki here? Viz kapitolaBhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi35 VaJudha vakataurirana vachiti, “Munhu uyu ari kuda kuenda kupiko kwatisingazomuwani? Achaenda here kuvanhu vedu vakapararira pakati pavaGiriki, agondodzidzisa vaGiriki? Viz kapitola |