Johane 20:27 - Bhaibhiri Idzva rechiShona27 Akabva ati kuna Tomasi, “Uya upinze munwe wako umu uone maoko angu. Tambanudza ruoko rwako upinze parutivi pangu. Usave munhu asingatendi asi anotenda.” Viz kapitolaBaiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)27 Ipapo akati kunaTomasi: Ʋuya pano nomunwe wako, uʋone ɀanza ɀaŋgu; ʋuya noruʋoko rwako, uruise murutiʋi rwaŋgu; usaʋa usiŋgatendi, asi unotenda. Viz kapitolaShona Bible 1949 revised 200227 Ipapo akati kuna Tomasi, “Uya pano nomunwe wako, uone zvanza zvangu; uya noruoko rwako, uruise murutivi rwangu; usava usingatendi, asi unotenda.” Viz kapitolaBhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika27 Akabva ati kuna Tomasi, “Uya upinze munwe wako umu uone maoko angu. Tambanudza ruoko rwako upinze parutivi pangu. Usave munhu asingatendi asi anotenda.” Viz kapitolaBhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi27 Ipapo akati kuna Tomasi, “Isa munwe wako pano; ona maoko angu. Tambanudza ruoko rwako uise parutivi rwangu. Rega kukahadzika uye utende.” Viz kapitola |