Johane 18:37 - Bhaibhiri Idzva rechiShona37 Pirato akati kwaari, “Heya uri mambo nhai?” Jesu akapindura achiti, “Inga matozvidudza wani kuti ndiri mambo ndizvo zvandakazvarirwa uye ndizvo zvandakavinga pasi pano kuti ndizopupurira chokwadi. Munhu wose ari pachokwadi anonzwa izwi rangu.” Viz kapitolaBaiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)37 Ipapo Pirato akati kwaari: Iwe uri mambo su? Jesu akapindura, akati: Unoreʋa iwe kuti ndiri mambo. Ndakaɓerekerwa iɀo, ndakaʋuyira iɀoɀo panyika, kuti ndipupure ɀokwaɗi. Mumŋe nomumŋe weɀokwaɗi unonzwa inzwi raŋgu. Viz kapitolaShona Bible 1949 revised 200237 Ipapo Pirato akati kwaari, “Iwe uri mambo su?” Jesu akapindura akati, “Unoreva iwe kuti ndiri mambo. Ndakaberekerwa izvo, ndakauyira izvozvo panyika, kuti ndipupure chokwadi. Mumwe nomumwe wechokwadi anonzwa izwi rangu.” Viz kapitolaBhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika37 Pirato akati kwaari, “Heya uri mambo nhai?” Jesu akapindura achiti, “Inga matozvidudza wani kuti ndiri mambo ndizvo zvandakazvarirwa uye ndizvo zvandakavinga pasi pano kuti ndizopupurira chokwadi. Munhu wose ari pachokwadi anonzwa izwi rangu.” Viz kapitolaBhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi37 Pirato akati, “Saka uri mamboka!” Jesu akapindura akati, “Wataura zvakanaka pawati ndiri mambo. Chokwadi ndechokuti, ndizvo zvandakazvarirwa, uye nokuda kwaizvozvo ndakauya munyika, kuti ndizopupurira chokwadi. Ani naani anoda chokwadi anonditeerera.” Viz kapitola |