Isaya 66:8 - Bhaibhiri Idzva rechiShona8 Ndiani chaizvo ati ambonzwa chinhu chakadaro ndiani ati amboona zvakadaro. Nyika ingaberekwe nomusi mumwechete here? Rudzi rwavanhu rungabva rwaberekwa nenguva isipi here? Ndinodaro nokuti guta reZioni parakangoti rwadzwei nemimba rakabva rasununguka vana varo vakomana. Viz kapitolaBaiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)8 Ndianiko wakambonzwa cinhu cakaɗai? Ndiani wakamboʋona ɀinhu ɀakaɗai? Nyika iŋgaɓerekwa nezuʋa rimŋe here? Rudzi rwaʋanhu ruŋgaɀarwa pakarepo? Nokuti Zioni rakaŋgoti kurwadziwa, ndokuɓereka ʋana ʋaro. Viz kapitolaShona Bible 1949 revised 20028 “Ndianiko akambonzwa chinhu chakadai? Ndiani akamboona zvinhu zvakadai? Nyika ingaberekwe nezuva rimwe here? Rudzi rwavanhu rungazvarwe pakarepo? Nokuti Zioni rakangoti kurwadziwa, ndokubereka vana varo. Viz kapitolaBhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika8 Ndiani chaizvo ati ambonzwa chinhu chakadaro ndiani ati amboona zvakadaro. Nyika ingaberekwe nomusi mumwechete here? Rudzi rwavanhu rungabva rwaberekwa nenguva isipi here? Ndinodaro nokuti guta reZioni parakangoti rwadzwei nemimba rakabva rasununguka vana varo vakomana. Viz kapitolaBhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi8 Ndiani akambonzwa chinhu chakadai? Ndiani akamboona zvinhu zvakadai? Ko, nyika ingazvarwa pazuva rimwe here kana rudzi rungazvarwa pakarepo here? Kunyange zvakadaro, Zioni rakangoti kurwadziwa, pakarepo ndokubereka vana varo. Viz kapitola |