Isaya 66:20 - Bhaibhiri Idzva rechiShona20 Ivo vachauya nehama dzenyu dzose vachibva nadzo kundudzi dzose dzavanhu somupiro kuna Tenzi vari pamabhiza nomungoro dzehondo nomungoro dzine tutenga napamanyurusi nepanghamera dzinomhanya kwazvo vakananga kugomo rangu rinoera, Jerusaremu, ndizvo zviri kutaura Tenzi, vachiita sokuuya kunoita vaIsiraeri nomupiro wembesanwa uri mumudziyo wakachena kumba kwaTenzi. Viz kapitolaBaiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)20 Ʋacaʋuyisa hama dzenyu dzose dzicibva kumarudzi ose, ciʋe cipo kunaJehova, ʋakataȿa mabiza, ʋari muŋgoro, nomuŋgoro dzinamateŋga, ʋakataȿa mahesera, namakamera, ʋaciʋuya kugomo raŋgu dɀene Jerusarema, seɀinoitwa naʋana ʋaIsraeri kana ʋaciʋuya neɀipo ɀaʋo mumudziyo wakanaka mumba maJehova — ndiɀo ɀinotaura Jehova. Viz kapitolaShona Bible 1949 revised 200220 Vachauyisa hama dzenyu dzose dzichibva kumarudzi ose, chive chipo kuna Jehovha, vakatasva mabhiza, vari mungoro, nomungoro dzinamatenga, vakatasva mahesera, namangamera, vachiuya kugomo rangu dzvene Jerusaremu, sezvinoitwa navana vaIsiraeri kana vachiuya nezvipo zvavo mumudziyo wakanaka mumba maJehovha ndizvo zvinotaura Jehovha. Viz kapitolaBhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika20 Ivo vachauya nehama dzenyu dzose vachibva nadzo kundudzi dzose dzavanhu somupiro kuna Tenzi vari pamabhiza nomungoro dzehondo nomungoro dzine tutenga napamanyurusi nepanghamera dzinomhanya kwazvo vakananga kugomo rangu rinoera, Jerusaremu, ndizvo zviri kutaura Tenzi, vachiita sokuuya kunoita vaIsiraeri nomupiro wembesanwa uri mumudziyo wakachena kumba kwaTenzi. Viz kapitolaBhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi20 Uye vachauyisa hama dzenyu dzose, kubva kundudzi dzose, kugomo rangu dzvene muJerusarema, sechipo kuna Jehovha, pamusoro pamabhiza, nomungoro uye mungoro dzina matenga, napamanyurusi uye napangamera,” ndizvo zvinotaura Jehovha. “Vachazviuyisa, savaIsraeri vanouyisa zvipiriso zvavo zvezviyo, kutemberi yaJehovha mumidziyo yakacheneswa. Viz kapitola |