Online Bible

- Reklamy -

Isaya 66:19 - Bhaibhiri Idzva rechiShona

19 Ndichaisa mucherechedzo pakati pavo, ndichatora mukati mavo imomo chitsama chavanhu chichapunyuka rufu ndigochitumira kudzindudzi, kuTashishi nokuPuru nokuRudhi vanokunga uta. Ndichavatumirawo kuTubharu nokuJavhani nokunyika dzokumahombekombe kwegungwa kure uko kusina kumbonzwika mukurumbira wangu kana kuonekwa mbiri yangu. Vachadhumhisa mbiri yangu mukati mendudzi dzavanhu.

Viz kapitola kopírovat

Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)

19 Ndicaisa ciratidzo pakati paʋo, ʋanopukunyuka kwaʋari ndicaʋatumira kunamamŋe marudzi, kunaʋeTarshishi, nePuri, neRudi, ʋanofura noʋuta, kunaʋeTubari neJavani, kuɀiwi ɀiri kure, ɀisina‐kumbonzwa mbiri yaŋgu, kana kuʋona kubginya kwaŋgu; iʋo ʋacaparidza kubginya kwaŋgu pakati pamarudzi.

Viz kapitola kopírovat

Shona Bible 1949 revised 2002

19 Ndichaisa chiratidzo pakati pavo, vanopukunyuka kwavari ndichavatumira kuna mamwe marudzi, kuna veTarishishi, nePuri, neRudhi, vanopfura nouta, kuna veTubhari neJavhani, kuzvivi zviri kure, zvisina kumbonzwa mbiri yangu, kana kuona kubwinya kwangu pakati pamarudzi.

Viz kapitola kopírovat

Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika

19 Ndichaisa mucherechedzo pakati pavo, ndichatora mukati mavo imomo chitsama chavanhu chichapunyuka rufu ndigochitumira kudzindudzi, kuTashishi nokuPuru nokuRudhi vanokunga uta. Ndichavatumirawo kuTubharu nokuJavhani nokunyika dzokumahombekombe kwegungwa kure uko kusina kumbonzwika mukurumbira wangu kana kuonekwa mbiri yangu. Vachadhumhisa mbiri yangu mukati mendudzi dzavanhu.

Viz kapitola kopírovat

Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi

19 “Ndichaisa chiratidzo pakati pavo, uye ndichatumira vamwe vavakapunyuka kundudzi, kuTashishi, nokuvaRibhiya navaRidhia (vane mbiri yokuwembura uta), nokuTubhari nokuGirisi, nokuzviwi zviri kure zvisina kumbonzwa nezvembiri yangu kana kuona kubwinya kwangu. Vachaparidza kubwinya kwangu pakati pendudzi.

Viz kapitola kopírovat

Isaya 66:19

Následuj nás:

Reklamy

Reklamy