Isaya 24:16 - Bhaibhiri Idzva rechiShona16 Kubva kwakaperera nyika tinonzwa nziyo dzokurumbidza, mbiri yaiye Mururami. Asi ndati, “Ndapera ini, ndapera simba! Nhamo yangu iyi, nokuti vanyengedzi vari kuita zvounyengedzi, vanyengedzi vari kuita zvounyengedzi chaizvo.” Viz kapitolaBaiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)16 Takanzwa nziyo dziciimbga kumigumo yenyika, dziciti: Ʋakarurama ŋgaʋakudzwe! Asi ini ndakati: Ndinowonda, ndinowonda, ndinenhamo! ʋanyeŋgeri ʋakaita nokunyeŋgera; ɀirokwaɀo, ʋanyeŋgeri ʋakaita nokunyeŋgera kukuru. Viz kapitolaShona Bible 1949 revised 200216 Takanzwa nziyo dzichiimbwa kumigumo yenyika, dzichiti, “Vakarurama ngavakudzwe!” Asi ini ndakati, “Ndinoonda, ndinoonda, ndine nhamo! Vanyengeri vakaita nokunyengera; zvirokwazvo, vanyengeri vakaita nokunyengera kukuru.” Viz kapitolaBhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika16 Kubva kwakaperera nyika tinonzwa nziyo dzokurumbidza, mbiri yaiye Mururami. Asi ndati, “Ndapera ini, ndapera simba! Nhamo yangu iyi, nokuti vanyengedzi vari kuita zvounyengedzi, vanyengedzi vari kuita zvounyengedzi chaizvo.” Viz kapitolaBhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi16 Kubva kumigumo yenyika tinonzwa kuimba kunoti: “Ngaakudzwe iye Akarurama.” Asi ini ndakati, “Ndiri kupera muviri, ndiri kupera muviri! Ndine nhamo! Vanyengeri vakaita zvinhu nokunyengera! Vanyengeri vakaita zvinhu nokunyengera kukuru!” Viz kapitola |