Isaya 22:25 - Bhaibhiri Idzva rechiShona25 Zvanzi naTenzi wehondo nehondo, nomusi iwoyo hoko yakanga yarovererwa panzvimbo pakasimba ichazunguzika, ichatemwa igowa. Ipapo mutoro wakanga wakaiswa pairi uchaparadzwa, nokuti ndozvataurwa naTenzi.” Viz kapitolaBaiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)25 Nezuʋa iro, ndiɀo ɀinotaura Jehova wehondo, mbambo yakaŋga yaroʋerwa pakasimba, icabva; icatemŋa, ndokuwira pasi; nomutoro wakaŋga wakaturikwa pairi, ucatemŋa; nokuti Jehova wakataura iɀoɀo. Viz kapitolaShona Bible 1949 revised 200225 Nezuva iro, ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo, mbambo yakanga yaroverwa pakasimba, ichabva; ichatemwa, ndokuwira pasi; nomutoro wakanga wakaturikwa pairi, uchatemwa; nokuti Jehovha akataura izvozvo.” Viz kapitolaBhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika25 Zvanzi naTenzi wehondo nehondo, nomusi iwoyo hoko yakanga yarovererwa panzvimbo pakasimba ichazunguzika, ichatemwa igowa. Ipapo mutoro wakanga wakaiswa pairi uchaparadzwa, nokuti ndozvataurwa naTenzi.” Viz kapitolaBhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi25 “Pazuva iro,” ndizvo zvinotaura Jehovha Wamasimba Ose, “mbambo yakarovererwa panzvimbo yakasimba ichabva; ichatemwa igowisirwa pasi, uye mutoro wakarembera pauri uchatemerwa pasi.” Jehovha ataura izvozvo. Viz kapitola |