Isaya 14:2 - Bhaibhiri Idzva rechiShona2 Vechirudzi ava vachavatora vachivaendesa kwavo uye veimba yaIsiraeri vachavaita vavo munyika yaTenzi sevaranda vavo vechirume nevechikadzi. Vachatapa zvavo vacho vakambovatapa ivavo votonga zvino vaye vokumbovabata zvakaipa. Viz kapitolaBaiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)2 Marudzi acaʋatora, nokuʋaisa kunɀimbo yaʋo; imba yaʋaIsraeri icaʋaɓata panyika yaJehova ʋaʋe ʋaranda naʋashandiri ʋaʋo; ʋacatapa iʋo ʋaiʋa ʋatapi ʋaʋo, ʋacaɓata iʋo ʋaiʋamanikidza. Viz kapitolaShona Bible 1949 revised 20022 Marudzi achavatora, nokuvaisa kunzvimbo yavo; imba yavaIsiraeri ichavabata panyika yaJehovha vave varanda navashandiri vavo; vachatapa ivo vaiva vatapi vavo, vachabata ivo vaivamanikidza. Viz kapitolaBhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika2 Vechirudzi ava vachavatora vachivaendesa kwavo uye veimba yaIsiraeri vachavaita vavo munyika yaTenzi sevaranda vavo vechirume nevechikadzi. Vachatapa zvavo vacho vakambovatapa ivavo votonga zvino vaye vokumbovabata zvakaipa. Viz kapitolaBhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi2 Ndudzi dzichavatora dzigovadzosera kunzvimbo yavo chaiyo. Uye imba yaIsraeri ichatora ndudzi kuti vave varandarume navarandakadzi munyika yaJehovha. Vachaita nhapwa vaya vaimbova vatapi vavo, uye vachabata ushe pamusoro pavaya vaimbova vamanikidzi vavo. Viz kapitola |