Isaya 10:6 - Bhaibhiri Idzva rechiShona6 ndichakuti uvinge rudzi rwavanhu vasisadi zvaMwari ava, ndichakutuma kuvanhu vandinoda kuranga kuti undopamba nokuvatorera zvinhu nokuvatsokodzera pasi samavhu omumigwagwa. Viz kapitolaBaiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)6 Ndicamutuma kundorwa norudzi runomhura Mŋari, ndicamuraira kundorwa naʋanhu ʋandinotsamŋira, kuti andotora ɀakapambga, andotora ɀakatapxa, aɀitsikire pasi seɗope riri munzira dzomumusha. Viz kapitolaShona Bible 1949 revised 20026 Ndichamutuma kundorwa norudzi runomhura Mwari, ndichamurayira kundorwa navanhu vandinotsamwira, kuti andotora zvakapambwa, andotora zvakatapwa, azvitsikire pasi sedope riri munzira dzomumusha. Viz kapitolaBhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika6 ndichakuti uvinge rudzi rwavanhu vasisadi zvaMwari ava, ndichakutuma kuvanhu vandinoda kuranga kuti undopamba nokuvatorera zvinhu nokuvatsokodzera pasi samavhu omumigwagwa. Viz kapitolaBhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi6 Ndiri kumutuma kurudzi rusina Mwari, ndinomutuma kuvanhu vanonditsamwisa, kundokomba nokutora nokubvuta zvakapambwa, nokuvatsikirira pasi sedope riri mumigwagwa. Viz kapitola |