Online Bible

- Reklamy -




Genesi 46:31 - Bhaibhiri Idzva rechiShona

31 Josefi akataura navakoma navanun'una vake navamwe vose vemba yababa vake achiti, “Ini ndava kundoudza Farao kuti, ‘Vakoma navanun'una vangu nemhuri yababa vangu vaye vaigara kunyika yeKanani vauya kwandiri.’

Viz kapitola kopírovat

Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)

31 Ɀino Josefa akati kuʋana ʋaɓaɓa ʋake naʋeimba yaɓaɓa ʋake: Ini ndicakwira kundoʋudza Farao, ndiciti kwaari: Ʋana ʋaɓaɓa ʋaŋgu, naʋeimba yaɓaɓa ʋaŋgu, ʋaigara kunyika yeKanani, ʋaȿika kwandiri;

Viz kapitola kopírovat

Shona Bible 1949 revised 2002

31 Zvino Josefa akati kuvana vababa vake naveimba vababa vake, “Ini ndichakwira kundoudza Farao, ndichiti kwaari, ‘Vana vababa vangu, naveimba yababa vangu, vaigara kunyika yeKenani, vasvika kwandiri’;

Viz kapitola kopírovat

Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika

31 Josefi akataura navakoma navanun'una vake navamwe vose vemba yababa vake achiti, “Ini ndava kundoudza Farao kuti, ‘Vakoma navanun'una vangu nemhuri yababa vangu vaye vaigara kunyika yeKanani vauya kwandiri.’

Viz kapitola kopírovat

Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi

31 Ipapo Josefa akati kuhama dzake nokune veimba yababa vake, “Ini ndichaenda kuti ndinotaura naFaro uye ndichandoti kwaari, ‘Madzikoma angu neveimba yababa vangu, vakanga vachigara kunyika yeKenani, vauya kwandiri.

Viz kapitola kopírovat




Genesi 46:31

Následuj nás:

Reklamy


Reklamy