Genesi 17:20 - Bhaibhiri Idzva rechiShona20 Kana zviri zvaIshimaeri, zvawataura ndazvinzwa. Chiteerera unzwe, ndichamukomborera ndichimupa vana vakawanda. Achava tateguru wamadzishe gumi namaviri uye ndichamuita rudzi rukuru. Viz kapitolaBaiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)20 Kana ari Ishmaeri, ndakunzwa ʋo; tarira, ndamuropafadza, ndicamuɓerekesa ʋana ʋazhinji, nokumuwanzisa kwaɀo; ucaɓereka madzishe anegumi namaʋiri, ndicamuita rudzi rukuru. Viz kapitolaShona Bible 1949 revised 200220 Kana ari Ishimaeri, ndakunzwawo; tarira, ndamuropafadza, ndichamuberekesa vana vazhinji, nokumuwanzisa kwazvo; achabereka madzishe ane gumi namaviri, ndichamuita rudzi rukuru. Viz kapitolaBhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika20 Kana zviri zvaIshimaeri, zvawataura ndazvinzwa. Chiteerera unzwe, ndichamukomborera ndichimupa vana vakawanda. Achava tateguru wamadzishe gumi namaviri uye ndichamuita rudzi rukuru. Viz kapitolaBhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi20 Uye kana ari Ishumaeri, ndakanzwa: Ndichamuropafadza zvirokwazvo, ndichamuita kuti ave navana vazhinji uye ndichaita kuti vawande kwazvo. Achava baba wavatongi gumi navaviri, uye ndichamuita rudzi rukuru. Viz kapitola |