Genesi 12:8 - Bhaibhiri Idzva rechiShona8 Akabva ipapo akaenda kugomo riri kumabvazuva kweBhetieri. Akadzika matendhe ake panoti Bhetieri kumavirira, guta reAi nechokumabvazuva. Akavakira Tenzi atari ipapo, akanamata Tenzi. Viz kapitolaBaiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)8 Akabva ipapo, akaenda kugomo riri kumabvazuʋa aBeteri, akadzika’po tente rake; Beteri rakaŋga riri kumaʋirazuʋa neAi kumabvazuʋa; akaʋakira’po Jehova artari, akanamata Zita raJehova ipapo. Viz kapitolaShona Bible 1949 revised 20028 Akabva ipapo, akaenda kugomo riri kumabvazuva aBheteri, akadzikapo tende rake; Bheteri rakanga riri kumavirazuva neAi kumabvazuva; akavakirapo Jehovha atari, akanamata Zita raJehovha ipapo. Viz kapitolaBhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika8 Akabva ipapo akaenda kugomo riri kumabvazuva kweBhetieri. Akadzika matendhe ake panoti Bhetieri kumavirira, guta reAi nechokumabvazuva. Akavakira Tenzi atari ipapo, akanamata Tenzi. Viz kapitolaBhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi8 Kubva ipapo akaenda mberi akananga kuzvikomo zviri kumabvazuva kweBheteri uye akadzika tende rake ikoko, Bheteri riri kumavirira uye Ai riri kumabvazuva. Akavakira Jehovha aritari ipapo uye akadana kuzita raJehovha. Viz kapitola |