Genesi 1:25 - Bhaibhiri Idzva rechiShona25 Mwari akasika mhando nemhando dzemhuka dziri panyika, nemhando dzose dzezvipfuwo nedzezvinokambaira nokuzvova napasi. Mwari akaona kuti zvakanaka. Viz kapitolaBaiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)25 Mŋari akaita mhuka dzenyika dzinamarudzi adzo, neɀipfuwo ɀinamarudzi aɀo, neɀinhu ɀose ɀinokambaira panyika ɀinamarudzi aɀo; Mŋari akaʋona kuti ɀakanaka. Viz kapitolaShona Bible 1949 revised 200225 Mwari akaita mhuka dzenyika dzina marudzi adzo, nezvipfuwo zvina marudzi azvo, nezvinhu zvose zvinokambaira panyika zvina marudzi azvo; Mwari akaona kuti zvakanaka. Viz kapitolaBhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika25 Mwari akasika mhando nemhando dzemhuka dziri panyika, nemhando dzose dzezvipfuwo nedzezvinokambaira nokuzvova napasi. Mwari akaona kuti zvakanaka. Viz kapitolaBhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi25 Mwari akaita mhuka dzesango maererano namarudzi adzo, zvipfuwo namarudzi azvo, nezvisikwa zvose zvinokambaira panyika maererano namarudzi azvo. Uye Mwari akaona kuti zvakanga zvakanaka. Viz kapitola |