Ezekieri 48:1 - Bhaibhiri Idzva rechiShona1 Aya ndiwo madzinza acho tichibvira kumuganho wokuchamhembe, kubva kugungwa tichienda nokuHetironi woenda nokwokunge tavakupinda muHamati kundosvika Hazarenoni (guta riri kumuganhu wokuchamhembe yeDhamasikusi kwakatarisana neHamati) ichibvira kumabvazuva ichienda kumadokero, dzinza rokwaDhani, mugove mumwechete. Viz kapitolaBaiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)1 Ɀino awa ndiwo mazita amarudzi: Kurutiʋi rwokumsoro, ɀicienda nenzira yeHetroni kuȿikira paʋanopinda ʋacienda Hamati neHazari‐enani pamuganho weDamasko, ɀicienda kurutiʋi rwokumsoro napaHamati (matiʋi aʋo anofanira kuenda kumabvazuʋa nokumaʋirazuʋa), ndiwo mugoʋe mumŋe waDani. Viz kapitolaShona Bible 1949 revised 20021 Zvino awa ndiwo mazita amarudzi: Kurutivi rwokumusoro, zvichienda nenzira yeHetironi kusvikira pavanopinda vachienda Hamati neHazarienani pamuganho weDhamasiko, zvichienda kurutivi rwokumusoro napaHamati mativi avo anofanira kuenda kumabvazuva nokumavirazuva, ndiwo mugove mumwe waDhani. Viz kapitolaBhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika1 Aya ndiwo madzinza acho tichibvira kumuganho wokuchamhembe, kubva kugungwa tichienda nokuHetironi woenda nokwokunge tavakupinda muHamati kundosvika Hazarenoni (guta riri kumuganhu wokuchamhembe yeDhamasikusi kwakatarisana neHamati) ichibvira kumabvazuva ichienda kumadokero, dzinza rokwaDhani, mugove mumwechete. Viz kapitolaBhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi1 “Aya ndiwo marudzi akanyorwa, namazita awo: “kurutivi rwokumuganhu wokumusoro, Dhani achava nomugove mumwe chete; uchange uchitevedza mugwagwa weHetironi kusvika kuRebho Hamati; Hazari Enani nomuganhu wokumusoro kweDhamasiko, pedyo neHamati, zvichava chikamu chomuganhu wavo unobva kurutivi rwokumabvazuva kusvikira kurutivi rwokumavirira. Viz kapitola |