Ezekieri 45:1 - Bhaibhiri Idzva rechiShona1 Pamunogova nechin'ange nyika senhaka munofanira kutsaurira Tenzi chimwe chikamu chenyika iyoyo sedunhu rinoera rinoita gumi ramakiromita rina makiromita maviri nehafu kureba chichiita makiromita gumi upamhi. Nharaunda yayo yose inenge iri dunhu rinoera. Viz kapitolaBaiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)1 Ɀino kana muciganhura nyika nemijenya, kuti iʋe nhaka yenyu, munofanira kuʋigira Jehova cipo, uʋe mugoʋe mutȿene panyika; kureɓa kwawo kunofanira kuita tsaŋga dzineɀuru ɀinamakumi maʋiri neɀishanu, noʋupamhi tsaŋga dzineɀuru ɀinegumi, unofanira kuʋa mutȿene kuȿikira kumiganho yawo yose kumatiʋi ose. Viz kapitolaShona Bible 1949 revised 20021 Zvino kana muchiganhura nyika nemijenya, kuti ive nhaka yenyu, munofanira kuvigira Jehovha chipo, uve mugove mutsvene panyika; kureba kwawo kunofanira kuita tsanga dzine zviuru zvina makumi maviri nezvishanu, nohupamhi tsanga dzine zviuru zvine gumi, anofanira kuva mutsvene kusvikira kumiganho yawo yose kumativi ose. Viz kapitolaBhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika1 Pamunogova nechin'ange nyika senhaka munofanira kutsaurira Tenzi chimwe chikamu chenyika iyoyo sedunhu rinoera rinoita gumi ramakiromita rina makiromita maviri nehafu kureba chichiita makiromita gumi upamhi. Nharaunda yayo yose inenge iri dunhu rinoera. Viz kapitolaBhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi1 “ ‘Pamunogovera nyika senhaka, munofanira kutsaurira Jehovha mugove wenyika sedunhu dzvene, rakareba makubhiti zviuru makumi maviri nezvishanu rine upamhi hwezviuru makumi maviri amakubhiti; nzvimbo yose iyoyo ichava tsvene. Viz kapitola |