Ezekieri 40:33 - Bhaibhiri Idzva rechiShona33 Dzimba dzaro dzomumativi namagwatidziro aro nakamba karo kapamusuo zvakanga zvakangoenzana sezvimwe. Uye raiva namahwindo mariri kuritenderera nomukamba kacho kapamusuo. Urefu hwaro hwaiva makumi mashanu amamita noupamhi hwaro hwaiita gumi ramamita rina mamita maviri ane hafu. Viz kapitolaBaiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)33 namakamuri aro, nembiru dzaro, namaɓiraʋira aro neɀiyero iɀeɀi; makaŋga munamawindi mukati maro nomumaɓiraʋira aro kumatiʋi ose; ɀakaita makubiti makumi mashanu pakureɓa, namakubiti makumi maʋiri namashanu paʋupamhi. Viz kapitolaShona Bible 1949 revised 200233 namakamuri aro, nembiru dzaro, namabiravira aro nezviyero izvozvi; makanga muna mahwindo mukati maro nomumabiravira aro kumativi ose; zvakaita mamita makumi mashanu pakureba, namamita makumi maviri namashanu pahupamhi. Viz kapitolaBhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika33 Dzimba dzaro dzomumativi namagwatidziro aro nakamba karo kapamusuo zvakanga zvakangoenzana sezvimwe. Uye raiva namahwindo mariri kuritenderera nomukamba kacho kapamusuo. Urefu hwaro hwaiva makumi mashanu amamita noupamhi hwaro hwaiita gumi ramamita rina mamita maviri ane hafu. Viz kapitolaBhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi33 Makamuri aro namadziro aro aionekera nebiravira racho zvakanga zvakaenzana nezvimwe pakuyera. Suo nebiravira raro zvakanga zvina mawindo kumativi ose. Zvakanga zvakareba makubhiti makumi mashanu uye makubhiti makumi maviri namashanu paupamhi. Viz kapitola |