Ezekieri 36:5 - Bhaibhiri Idzva rechiShona5 “Naizvozvo zvanzi naTenzi Mwari ndiri kutaura izvi ndiine shanje chaiyo kumamwe marudzi nokuEdhomu yose vakazvipa nyika yangu kuti ive yavo vachitopembera kufara nomwoyo wose vachishora zvakanyanya kuti vaiite yavo vaipambe. Viz kapitolaBaiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)5 naiɀoɀo ɀanzi naShe Jehova: Ɀirokwaɀo, ndakataura nomŋoto wegoɗo raŋgu pamsoro paʋakasara ʋamarudzi napamsoro peEdomi rose, iʋo ʋakaɀitorera nyika yaŋgu ʋaciti iʋe nhaka yaʋo, ʋaciŋgofara nomŋoyo waʋo wose ʋacishoʋora nemŋeya yaʋo, kuti ʋairashire kure ipambge. Viz kapitolaShona Bible 1949 revised 20025 naizvozvo zvanzi naIshe Jehovha, ‘Zvirokwazvo, ndakataura nomoto wegodo rangu pamusoro pavakasara vamarudzi napamusoro peEdhomu rose, ivo vakazvitorera nyika yangu vachiti ive nhaka yavo, vachingofara nomwoyo wavo wose vachishora nemweya yavo, kuti vairasire kure ipambwe.’ Viz kapitolaBhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika5 “Naizvozvo zvanzi naTenzi Mwari ndiri kutaura izvi ndiine shanje chaiyo kumamwe marudzi nokuEdhomu yose vakazvipa nyika yangu kuti ive yavo vachitopembera kufara nomwoyo wose vachishora zvakanyanya kuti vaiite yavo vaipambe. Viz kapitolaBhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi5 zvanzi naIshe Jehovha: Mumoto wokushingaira kwangu, ndakataura pamusoro pendudzi dzakasara, uye pamusoro peEdhomu yose, nokuti nomufaro uye negodo remwoyo yavo vakaita nyika yangu nhaka yavo kuitira kuti vapambe mafuro avo.’ Viz kapitola |