Ezekieri 33:8 - Bhaibhiri Idzva rechiShona8 Kana ndikati kumutadzi iwe muipi uchafa chete, iwe worega kutaurira akaipa kuti apinduke pauipi hwake, muipi iyeyo achafa muuipi hwake asi mhosva yorufu rwake ndichaiisa pauri. Viz kapitolaBaiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)8 Kana ini ndikati kunowakaipa: Iwe munhu wakaipa, ucafa ɀirokwaɀo, iwe ukasataura kuti unyeʋere munhu wakaipa panzira yake, munhu uyo wakaipa ucafa nokuɗa kweɀakaipa ɀake, asi ropa rake ndicaribvunza paruʋoko rwako. Viz kapitolaShona Bible 1949 revised 20028 Kana ini ndikati kune wakaipa, ‘Iwe munhu wakaipa, uchafa zvirokwazvo, iwe ukasataura kuti unyevere munhu wakaipa panzira yake, munhu uyo wakaipa achafa nokuda kwezvakaipa zvake, asi ropa rake ndicharibvunza paruoko rwako.’ Viz kapitolaBhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika8 Kana ndikati kumutadzi iwe muipi uchafa chete, iwe worega kutaurira akaipa kuti apinduke pauipi hwake, muipi iyeyo achafa muuipi hwake asi mhosva yorufu rwake ndichaiisa pauri. Viz kapitolaBhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi8 Kana ndikati kuno akaipa, ‘Iwe munhu wakaipa, uchafa zvirokwazvo,’ uye iwe ukasamutaurira kuti umunyevere panzira dzake, munhu uyo akaipa achafa nokuda kwechivi chake, asi ropa rake ndicharibvunza kwauri. Viz kapitola |