Online Bible

- Reklamy -

Ezekieri 32:2 - Bhaibhiri Idzva rechiShona

2 “Iwe munhu ungudza pamusoro paFarao mambo weIjipiti uti kwaari, “Unozviti uri shumbaka iwe pakati pamarudzi avanhu. Asi chauri chaicho uri garanyanya romumakungwa. Unoti pindikiti munzizi dzako uchibvongodza mvura namakumbo ako, nzizi dzacho dzichiva bvondwe.

Viz kapitola kopírovat

Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)

2 Mŋanakomana womunhu, itira Farao mambo weEgipita mariro, uti kwaari: Iwe wakaŋga wakafananidzwa neshumba ɗuku pakati pamarudzi; asi uri shato huru mumakuŋgwa; wakaɓuɗa munzizi dzako, ukabvoŋgodza mvura netsoka dzako, nokuȿiɓisa nzizi dzaʋo.

Viz kapitola kopírovat

Shona Bible 1949 revised 2002

2 “Mwanakomana womunhu, itira Farao mambo weIjipiti mariro, uti kwaari, ‘Iwe wakanga wakafananidzwa neshumba duku pakati pamarudzi; asi uri shato huru mumakungwa; wakabuda munzizi dzako, ukabvongodza mvura netsoka dzako, nokusvibisa nzizi dzavo.’

Viz kapitola kopírovat

Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika

2 “Iwe munhu ungudza pamusoro paFarao mambo weIjipiti uti kwaari, “Unozviti uri shumbaka iwe pakati pamarudzi avanhu. Asi chauri chaicho uri garanyanya romumakungwa. Unoti pindikiti munzizi dzako uchibvongodza mvura namakumbo ako, nzizi dzacho dzichiva bvondwe.

Viz kapitola kopírovat

Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi

2 “Mwanakomana womunhu, chemera Faro mambo weIjipiti uti kwaari: “ ‘Iwe wakafanana neshumba pakati pendudzi; wakaita sechikara mukati mamakungwa uchibvongodza-bvongodza mukati mehova dzako, uchibvongodza mvura netsoka dzako uye uchiita kuti hova dzive namatope.

Viz kapitola kopírovat

Ezekieri 32:2

Následuj nás:

Reklamy

Reklamy