Ezekieri 31:3 - Bhaibhiri Idzva rechiShona3 SeAsiriaka! Yakanga yakaita somuti womusidhari wokuRebhanoni namapazi anoyevedza mumvuri wesango, wakareba zvikuru kwazvo zvokuti dzu-u kumira mukati megwindingwi chairo resango. Viz kapitolaBaiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)3 Tarira, muAsiria wakaŋga ari musidari paRebanoni, wakaŋga unamashizha akanaka, nomumvuri wakaita soweɗondo, wakareɓa kwaɀo; musoro wawo wakaŋga uri kumakore. Viz kapitolaShona Bible 1949 revised 20023 “Tarira, muAsiria akanga ari musidhari paRebhanoni, akanga ana mashizha akanaka, nomumvuri wakaita sowendo, wakareba kwazvo; musoro wawo wakanga uri kumakore. Viz kapitolaBhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika3 SeAsiriaka! Yakanga yakaita somuti womusidhari wokuRebhanoni namapazi anoyevedza mumvuri wesango, wakareba zvikuru kwazvo zvokuti dzu-u kumira mukati megwindingwi chairo resango. Viz kapitolaBhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi3 Rangarirai Asiria, yaimbova musidhari muRebhanoni, wakanga una matavi akaisvonaka akanga akafukidzira dondo; wakanga wakareba kwazvo, manhengenya awo ari pamusoro pamashizha akapfumvutira. Viz kapitola |