Ezekieri 29:5 - Bhaibhiri Idzva rechiShona5 Ndichakukanda mugwenga iwe nehove dzose dzomutukova twako idzodzo, muchati katakata musango zvamo pasina zvokuunganidzwa muchivigwa. Ndatokuitai nyama yezvikara zvesango neyeshiri dzedenga.’ Viz kapitolaBaiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)5 Ndicakurashira kurenje, iwe nehoʋe dzose dzenzizi dzako, ucawira pasi paɓani pakacena, hauŋgakokerwi kana kuʋuŋganidzwa; ndakakuisa kuɀikara ɀapasi neshiri dzokuɗeŋga, uʋe ɀokudya ɀaɀo. Viz kapitolaShona Bible 1949 revised 20025 “Ndichakurashira kurenje, iwe nehove dzose dzenzizi dzako, uchawira pasi pabani pakachena, haungakokerwi kana kuunganidzwa; ndakakuisa kuzvikara zvapasi neshiri dzokudenga, uve zvokudya zvavo.” Viz kapitolaBhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika5 Ndichakukanda mugwenga iwe nehove dzose dzomutukova twako idzodzo, muchati katakata musango zvamo pasina zvokuunganidzwa muchivigwa. Ndatokuitai nyama yezvikara zvesango neyeshiri dzedenga.’ Viz kapitolaBhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi5 Ndichakusiya mugwenga, iwe nehove dzose dzomuhova dzako. Uchawira pasi pabani pachena zvapo, uye haungaunganidzwi kana kunongwa. Ndichakupa sechokudya kuzvikara zvenyika neshiri dzedenga. Viz kapitola |